KwaunobvaDuramazwiHhurukuro

Duramazwi · zita

hurukuro

discourse · exposition · conversation · conversations · discussion · discussions · lectures · talks

Zvinoreva

Hurukuro inyaya dzinotauriranwa pakati pevazivani, masangano kana kuti varume padare.

1

Hurukuro inyaya dzinotauriranwa pakati pevazivani, masangano kana kuti varume padare.

Hurukuro dzavarimi ndedzekupangana mazano okuwedzera gohwo.

Pakuita hurukuro tinotarisirawo kuti vatambi vacho vanogona kunge vachitokakavadzana.

2

Munyaya dzezvedzidzo kana mwana akanzi anyore rondedzero yehurukuro anenge achinzi anyore nyaya inenge iine vanhu vaviri kana kupfuura vanenge vachitaurirana pamusoro peimwe nyaya.

Mudzidzisi vati tinyore hurukuro iri pamusoro pababa nemwana wavo vachitaura nezvekusimudzira musha wavo.

Mamwe mazwi ane H

H

Duramazwi

01 / 03

hurukuru

Hurukuru muti unokura wakatambarara unobereka vana vanoita unye hunososona chaizvo.

Verenga

Swipe for the next word