KwaunobvaDuramazwiGguva

Zvinoreva

Guva igomba rakadzika rinochererwa kuiswa chitunha. Guva romucheche asina mazino rinocherwa pedyo norukova.

Nzvimbo yakacherwa muvhu munoshendeswa vakafa (grave).

1

Guva igomba rakadzika rinochererwa kuiswa chitunha. Guva romucheche asina mazino rinocherwa pedyo norukova.

Misambo inoti; nhimbe/humwe, mukwerera, kurova guva, kana imwewo mitambo inoungana vanhu.

Mutambo wenyaradzo unowanzoitwa nevemakereke kazhinji avo vanenge vasingakoshese tsika yekurova guva.

Tinoda kuti uzive kuti tsika yekurova guva iyi yaiitirwa hama dzedu dzinenge dzaenda kunzvimbo yerunyararo.

2

Guva pasi pemba panogarwa navanhu, panodzvurwa nendove.

3

Nzvimbo yakacherwa muvhu munoshendeswa vakafa (grave).

Mutambo wenyaradzo unowanzoitwa nevemakereke kazhinji avo vanenge vasingakoshese tsika yekurova guva.

Tinoda kuti uzive kuti tsika yekurova guva iyi yaiitirwa hama dzedu dzinenge dzaenda kunzvimbo yerunyararo.

Munhu anofa asina kuroorwa haaroverwe guva.

Zvakafanana

bwiro · rinda · iba · tuna

Zvine chekuita

imba isina gonhi

Mamwe mazwi ane G

G

Duramazwi

01 / 03

guvakuva

Kana vanhu vachinzi vakaita guvakuva vanenge vachishanda vakawanda uye vakakotama, sepakusakura.

Verenga

Swipe for the next word