KwaunobvaDuramazwiFFuridza

Duramazwi

Furidza

blowup · blow

Zvinoreva

Kubudisa mweya wakasimba nomuromo.

1

Kubudisa mweya wakasimba nomuromo.

Akaramba achifuridza tii yake nokuti aida kuitonhodza.

Kana uchifuriridza chinhu chinopisa unenge uchichipodza nokufuridza mweya.

Mbokumbo kutamba kunoita vanhu vachiridza shizha romuti vachiita zvokurifuridza pamuromo.

2

Kana uchifuridza mwoto unenge uchishandisa mweya wakasimba, waunoburitsa nomumuromo, wakananga mwoto wacho kuti unyatsopfuta zvakanaka.

3

Kana uchifuridza mumwe munhu unenge uchishandisa mweya waunoburitsa nomumuromo kubudisa chinhu chinenge chapinda muziso make.

4

Kana uchifuridza tii inopisa unenge uchiipomhodza nomweya waunoita zvokufemera mukapu macho.

Mamwe mazwi ane F

F

Duramazwi

01 / 03

furidzwa

Furidzwa chinhu chinokupa shungu dzokuti ukwanise kuita chimwe chinhu muupenyu.

Verenga

Swipe for the next word