KwaunobvaDuramazwiDDutu

Duramazwi · zita

Dutu

cyclone · tempest · tornado · typhoon · windstorm · storm · storms · pile

Zvinoreva

Zvinhu zvakawanda zvakaungana.

Dutu imhepo ine simba guru, inotibura ivhu zhinji nokukwatura matenga edzimba.

1

Zvinhu zvakawanda zvakaungana.

Ndiani apfudza dutu rese remhunga ranga riri pano.

Kuti bvandanu kuparadzanisa zvinhu zvakaita dutu kana kuti zvakarongedzwa.

Bumbu zvinhu zvinenge zvakaungana pamwe chete, zvakaita dutu kana sumbu.

2

Dutu murwi wevhu rinobva mumwena wembeva kana wegurwe.

3

Durunhuru.

4

Kana zvinhu zviri dutu zvinenge zvakaunganidzwa, zvakawanda. _Takatanga takanya dutu rezvitinha tisati tavaka imba._

5

Dutu imhepo ine simba guru, inotibura ivhu zhinji nokukwatura matenga edzimba.

Kana dutu rezvinhu rikambemba rinenge radzikira paukuru hwaro kupfuura zvarambenge riri.

Iri isumbu kana kuti dutu rezvinorira, semari yesimbi kana kuti makiyi.

Kututuvika kuunganidza zvinhu pamwe chete uchiita kuti zviite dutu.

Mamwe mazwi ane D

D

Swipe for the next word