KwaunobvaDuramazwiDdenderedzwa

Duramazwi · zita

denderedzwa

circle · oval · round

chinhenderekwa

Zvinoreva

[dendenedzwa, nhe-nderedzwa, denderedzi] Chinhu chakatenderera.

1

[dendenedzwa, nhe-nderedzwa, denderedzi] Chinhu chakatenderera.

Gingiri isimbi yakaita denderedzwa inotambiswa navana vachiita zvokuisaidzira.

2

Denderedzwa mutsetse unonyorwa wakatenderera, uchizosangana pane urefu hwakaenzana kubva pakati kati pawo.

3

Denderedzwa kuumbika kwe-chinhu chichisara chine mucherechedzo wakaita semwedzi wakazara kana zai.

Kana vana vachiita mutambo wedunhu, vanoita denderedzwa, vamwe vopinda mukati vachitemwa nebora.

4

Denderedzwa kumira kwamunoita muchisiya nzvimbo yamunenge makakomberedza.

Mirai apa makaita denderedzwa.

Zvakafanana

chinhenderekwa

Mamwe mazwi ane D

D

Duramazwi

01 / 03

denenga

Denenga ivhudzi shoma, rinosiyiwa mumusoro mushure mokunge munhu agerwa kana kusvuurwa.

Verenga

Swipe for the next word