KwaunobvaDuramazwiCchinjika

Duramazwi

chinjika

adjustable · changeable

-pinjirika-tandarika

Zvinoreva

Kana chinhu chichichinjika chinenge chichikwanisa kushanduka.

Kurara kwechinhu chinobva rimwe divi chichienda kune rimwe.

1

Kana chinhu chichichinjika chinenge chichikwanisa kushanduka.

Chinjika danda iri padivi pomugwagwa.

Kana mwana akachinjika mudumbu raamai anogona kukonzera mareyamhuru.

Chiguvare chipuranga chinoiswa chakachinjika nechokumusoro panogadzirwa gonhi.

2

Kurara kwechinhu chinobva rimwe divi chichienda kune rimwe.

3

Kana ukachinjika matanda unenge waatsveta nenzira inoita kuti rimwe rigure napamusoro perimwe achiita chipiyaniso.

4

Kuchinjika kuradzika chinhu chakareba.

Chinjika danda iri padivi pomugwagwa.

5

Kana mwana akachinjika mudumbu anenge akagara akaisa musoro nemakumbo zvakapesana nezvinotarisirwa, zvokuti kuzobuda nemukana waanotarisirwa kubuda nawo zvinoramba kana kunetsa.

Kana mwana akachinjika mudumbu raamai anogona kukonzera mareyamhuru.

6

Kuchinjika mwana kumusenga pamakumbo akaisa musoro kune rimwe gumbo makumbo ari kune rimwe pamaumbo ewakamusenga.

7

Kana wakachinjika nzira unenge wakarara wakaivharidzira, zvekuti anoda kupfuura anotofanira kudanhuka nepamusoro pako.

Zvakafanana

-pinjirika · -tandarika

Mamwe mazwi ane C

C

Duramazwi

01 / 03

chinjinji

Kuti chinjinji kumira kwematanda kana zvimwewo zvakaomarara, zvakatarisa mudenga.

Verenga

Swipe for the next word