KwaunobvaDuramazwiCchimera

Duramazwi · zita

chimera

Zvinoreva

Chimera zviyo zvakaita serukweza nemapfunde kana mhunga, zvinonyikwa mumvura, zvomera, zvozokuyiwa kana zvaoma kuita upfu hunoshandiswa kubika doro kana maheu.

1

Chimera zviyo zvakaita serukweza nemapfunde kana mhunga, zvinonyikwa mumvura, zvomera, zvozokuyiwa kana zvaoma kuita upfu hunoshandiswa kubika doro kana maheu.

Ndurwa chimera chomusango chinoita mudzi wakabumba pasi, unodyiwa.

Chibayo chimera kana vana vezvimera zvinenge zvakatesvera zvokuti kana munhu akatsika anobva adyungwa nazvo.

Kana munhu achinzi amedza chimera anenge afa.

Zvakafanana

mumera

Mamwe mazwi ane C

C

Duramazwi

01 / 03

chimere

Chimere chipfeko chine ruvara rutema uye chakavhurika pamberi, chinopfekwa nemabhishopi edzimwe svondo pamusoro pedzimwe nhumbi.

Verenga

Swipe for the next word