KwaunobvaDuramazwiCchidhongi

Zvinoreva

Mwana wembongoro kana kaitiro kembongoro.

1

Mwana wembongoro kana kaitiro kembongoro.

Chidhongi mutambo wokuti vanhu vanenge vachipfurana nemakumbo vakafuratirana.

Chidhongi rudzi rwejira rokufuka diki, risinganyanyi kudziya uye rakacheneruka soruvara rwembongoro zhinji.

Chidhongi ibundo rinowanzomera mumunda makarimwa, rinobereka vana vane tuminzwa tuviri, vanobaya kana vao-ma.

2

Chidhongi mwana wembongoro.

3

Kana munhu achibanha mumwe nechidhongi anenge achimutsupfura negumbo akamufuratira uye achiita zvekutomhukira.

4

Chidhongi mutambo wokuti vanhu vanenge vachipfurana nemakumbo vakafuratirana.

5

Chidhongi rudzi rwejira rokufuka diki, risinganyanyi kudziya uye rakacheneruka soruvara rwembongoro zhinji.

6

Chidhongi ibundo rinowanzomera mumunda makarimwa, rinobereka vana vane tuminzwa tuviri, vanobaya kana vao-ma.

7

Chidhongi kamwana kekabundo kanowanzomera pakarimwa, kane minzwa miviri inobaya kana yaoma uye kanonamira pahembe kana munhu akadarikapari.

Zvakafanana

mubheme · mutemwa · chavhumbuka · chibayamahure · chitumburamahure · chibonje · chaguma · chitopera · chinamata · chibambana · chaguduma

Mamwe mazwi ane C

C

Duramazwi

01 / 03

chidhongo

Chidhongo kaputwa kadiki kanenge kakaiswa pamusoro pekamwe kanhu. Kana uchiruka musoro unotanga waita chidhongo wozochibatanidza nezvimwe.

Verenga

Swipe for the next word