Duramazwi
Zvinoreva
Kutsemuka kubanzuka, zvokuti rimwe bande uku rimwewo uko. Dombo rakatsemuka rikaita hurumatandare richidzika negomo.
1
Kutsemuka kubanzuka, zvokuti rimwe bande uku rimwewo uko. Dombo rakatsemuka rikaita hurumatandare richidzika negomo.
Kuti dhegemu kuwira pasi zvine simba kwechinhu chinorema chichitsemuka-tsemuka.
Kuti bwazhu kupunza chinhu chichibva chatsemuka-tsemuka.
Jenyuchenyu kutsemuka-tsemuka kunoita dhaka kana raoma.
2
Kutsemuka kuita mutswi kwehari kana zvimwewo zvinofa.
3
Kana munhu achitsemuka mumakumbo anenge achiita shena kana man'a zvinenge zvichiita mitaro mitaro paganda.
Mamwe mazwi ane T
TDuramazwi
01 / 03tsemura
Kutsemura kubanzura zvinhu kuti zvisare zviri zvitete asi zvakareba.
VerengaSwipe for the next word