KwaunobvaDuramazwiSSvondo

Duramazwi · zita

Svondo

sunday · Sunday; week · aweek

Zvinoreva

Svondo chidimbu chemwedzi chine mazuva manomwe.

Svondo izita rezuva rekutanga revhiki, rinova iro zuva rinoshumirwa Mwari nemasangano mazhinji.

1

Svondo chidimbu chemwedzi chine mazuva manomwe.

Zvino zvawairamba kuenda kusvondo uchiti nokuti wakadzidza hauchapindi svondo, ko nhasi unonoti kudii kuna Mwari?

Abodza paawana mari yaakarasa munzira umo svondo rapera.

Mufundisi akabhabhatidza vana muchechi svondo rapfuura.

2

Svondo izita rezuva rekutanga revhiki, rinova iro zuva rinoshumirwa Mwari nemasangano mazhinji.

Vatendi vakaita munyengetero mukuru muchechi svondo.

Tiri kuenda kumusangano wechechi svondo rinouya.

Vakavhura chitoro chavo kumusha svondo rakapera.

3

Svondo isangano ravanhu vanenge vari kushumira Mwari.

Zvakafanana

vhiki · chechi

Mamwe mazwi ane S

S

Duramazwi

01 / 03

svonga

Kana chokudya chichinzi chinosvonga chinenge chichirwadzisa mudumbu uye chichikonzera kuti achidya ade kurutsa.

Verenga

Swipe for the next word