Duramazwi
Zvinoreva
Kugara kwechinhu chakaenda rimwe divi.
Kugara kwechinhu chakaenda rimwe divi.
Munhu anokumbira anofanirwa kuzvirereka ova pasi petsoka dzemunhu waari kukumbira kuti zvaari kuda zvimufambire.
Kero yako ngaiumbwe zvakanaka uye usada kunyora uchiirereka nokuti zvibodzwa zvinototanga kupiwa kubva pakero ipapa.
Uyu munhu anogara akarereka mutsipa kana kuti ane tsika yekufamba akatarisa divi.
Kana chinhu chakarereka chinenge chisina kugara zvakana, chakaenda kurutivi.
Kana zuva rarereka rinenge rava pedo nokunyura.
Kana munhu akarereka musoro anenge akauisa parutivi akasuruvara kana kuti achifunga.
Kana munhu akazvirereka kana achitaura nemumwe munhu, anenge achitaridza kuti ari kupa munhu iyeye rukudzo.
Zvakafanana
-onjeka
Mamwe mazwi ane R
RDuramazwi
01 / 03rerekedza
Kana munhu akarerekedza hari anenge aimisa nedivi kuitira kuti akwanise kusvikira mukati mayo.
VerengaSwipe for the next word