KwaunobvaDuramazwiNnzimbe

Duramazwi · zita

nzimbe

sugar cane

ipwarungumbwarungu

Zvinoreva

Nzimbe ipwa hombe, ine makanda akaoma chaizvo kunze, inogayiwa kuita shuga, inorimwa munzvimbo dzakadzikira uye dzinopisa asi dzichida mvura yakawanda.

1

Nzimbe ipwa hombe, ine makanda akaoma chaizvo kunze, inogayiwa kuita shuga, inorimwa munzvimbo dzakadzikira uye dzinopisa asi dzichida mvura yakawanda.

Akati gwibu nzimbe ndokugovera Tendai na-Zivanai.

Bhemba zisimbi rakareba rinoshandiswa kutema kana sezvakaita nzimbe kana masora.

Kuhwishura kugura chinhu kuita zvidimbu zvidiki, kazhinji uchishandisa banga. Hwishura nzimbe ugovere vana.

Zvakafanana

ipwarungu · mbwarungu

Mamwe mazwi ane N

N

Duramazwi

01 / 03

nzinzinzi

Nzinzinzi munhu ane misikanzwa uye asingateereri zvaanoudzwa nevakuru kwaari.

Verenga

Swipe for the next word