KwaunobvaDuramazwiMmunemo

Duramazwi · zita

munemo

Zvinoreva

Munemo kutaura kunoita vanhu vachiita sokuti vari kutsvinyirana asi ivo vari kutamba.

1

Munemo kutaura kunoita vanhu vachiita sokuti vari kutsvinyirana asi ivo vari kutamba.

Maiguru vaiita munemo nemuramu wavo.

Madzisahwira nevaroora ndivo chete vanofanirwa kuita munemo kuitira kurerutsa rufu kuti vafirwa vasanyanyoremerwa nerufu urwu.

Mamwe mazwi ane M

M

Duramazwi

01 / 03

munera

Munera muti une hunde hombe, unoita ganda rinosvuuka, rinotsveedza uye unowanikwa munzvimbo dzinopisa.

Verenga

Swipe for the next word