Duramazwi · zita
mhere
scream
Duramazwi · zita
scream
Ruzha rwune kusuwa kana mufaro.
Ruzha rwune kusuwa kana mufaro.
Vainzwa kuda kungoridza mhere inovharira nyika yose asi vakabva vazozvibata havo.
Ndakaona kuti nditange nekuridza mhere ndichiti kwaita munhu hazviite.
Vakaridza mhere isingaite zvekuti vanhu vainge vazarana pamaitakue.
Mhere kudaidzira nezwi riri pamusoro kunoita munhu anochema. _Ndanzwa mhere ndikaziva kuti sekuru vokurwara vashaika._
Kana munhu akaridza mhere nemufaro anenge aita ruzha runotaridza kufara kwake.
Mhere mubhadharo unobviswa nevekumukuwasha kuzivisa vanatezvara kuti mwanasikana wavo wavanga vakaroorwa ashaya. Vanhu vaienda kunoridza mhere zvinonzi vaisvika vachideedzera kuti tisu tine mwana vari kunze kwemusha.
Duramazwi
01 / 03mherehwa
Mherehwa imhuka ine ruvara rwuri pakati pekusviba nekutsvuka.
VerengaSwipe for the next word