Duramazwi
Zvinoreva
Kumerera kubuda tumapundu paganda kunoita munhu ari kutonhorwa nechando kana kuti avhunduka zvikuru.
1
Kumerera kubuda tumapundu paganda kunoita munhu ari kutonhorwa nechando kana kuti avhunduka zvikuru.
Aiti akafunga manyadzisiro aaive aita Mai Sipho mutown aibva anzwa kumerera chaiko.
Hondo yaaive aona kuhope iyi yaiita kuti anzwe kumerera kana akaifunga.
Ndakanzwa kumerera chaiko nekuti ainyatsoratidza kuti aisaita zvekutamba zvachose Theresa.
Mamwe mazwi ane M
MDuramazwi
01 / 03meridhiyeni
Meridhiyeni mutsara wekufungidzira wakarurama nepakati penyika, uchibata kuchamhembe nekumaodzanyemba kwedenderedzwa renyika.
VerengaSwipe for the next word