KwaunobvaDuramazwiFfira

Duramazwi

fira

-firira

Zvinoreva

Kana uchifira fomu unenge uchirizadzisa nokunyora panzvimbo dziri kudiwa.

Kana munhu akanzi akafira chimwe chinhu ndicho chinege chakonzera kuparara koupenyu hwake.

1

Kana uchifira fomu unenge uchirizadzisa nokunyora panzvimbo dziri kudiwa.

Kufira guyu kuuya hazvienzani nokufira shamba.

Tinofanira kuyeuka kuti magamba aya vakazvipira kushandira nyika ino zvizere vasingatye kufira nyika yamadzibaba avo.

Kufira mafufu segonzo kupinda munjodzi uchiedza kuwana chinhu chisina zvachinokubatsira.

2

Kana munhu akanzi akafira chimwe chinhu ndicho chinege chakonzera kuparara koupenyu hwake.

Mwana wangu akapondwa nematsotsi akafira mari yake yaanga achangotambira.

Kufira guyu kuuya hazvienzani nokufira shamba.

3

Kana uchifira chimwe chinhu unenge une simba neshungu rokuchiita.

4

Kufira munhu kufa uchimupa mutoro werufu irworwo.

Usatambira mumuti umu, unodonha ukandifira.

Zvakafanana

-firira

Mamwe mazwi ane F

F

Swipe for the next word