KwaunobvaDuramazwiEe-

Duramazwi

e-

Zvinoreva

Iri ivara rokutanga rinoshandiswa kutsigira panoumbwa chidudzirauwandu.

Iri ivaramwana rinodaidzwa richinzi e-e riri pakati padhi naefu mubumbiro remavara anoshandiswa kunyora rurimi rweChiShona.

mwene. Ichi chivakashure chechirevamwene chomupanda 6.

Iri ivaramwana rekupedzisira rinotevera madzitsi ezviito akasiyana-siyana.

1

Iri ivara rokutanga rinoshandiswa kutsigira panoumbwa chidudzirauwandu.

Mazuva ese tinouya kubasa.

Mashandukira anoita nzvovera /-a-/ iyi ndiwo anoita kuti igone kuve /-e-/ kana /-o- /.

Zuva nezuva hee-e tinoda kukuroora!

2

Iri ivaramwana rinodaidzwa richinzi e-e riri pakati padhi naefu mubumbiro remavara anoshandiswa kunyora rurimi rweChiShona.

Zuva nezuva hee-e tinoda kukuroora!

Madonhwe okutanga emvura taianzwa kuti ko ko ko padenga remba yemazen'e.

Pakatanga kunaya mvura, vanhu vaive panze vakaita _uwe-ewe-e_ vachida kuvhurirwa musiwo.

3

mwene. Ichi chivakashure chechirevamwene chomupanda 6.

Mazita enyu akada kufanana.

Zuva nezuva hee-e tinoda kukuroora!

Akati boche-e neseri kwedanga kuti asaonekwa nevaiva pachivanze.

4

Iri ivaramwana rekupedzisira rinotevera madzitsi ezviito akasiyana-siyana.

Ngaaende kumba nhasi.

Ndakamuti che-e padama, ndikasiya achijuja ropa.

Mai nomwana vakati wire-e kumbundirana nomufaro.

Mamwe mazwi ane E

E

Duramazwi

01 / 03

e-e

Tinoshandisa e-e kana tichida kuratidza kusvora kana kuzvidza kunoita mumwe munhu pamaitiro ake.

Verenga

Swipe for the next word