KwaunobvaDuramazwiDdhi

Duramazwi

dhi

dod

Zvinoreva

Kuti dhi kurova zvine simba zvokuti panonzwika mutinhiro.

1

Kuti dhi kurova zvine simba zvokuti panonzwika mutinhiro.

Akamuti dhi pachifuva nechibhakera.

Vhaireti haana kutenda zvaainzwa nekuona, panguva iyi ndipo pakangoti rima tiba kumeso kwake, ndiye dhi negotsi paainge agere ipapo.

2

Kuti dhi kutsveta chinhu chinorema uchiita zvokukasira.

Paakanzwa kupisa kwehari yaakanga abura pamoto, akabva angoiti dhi, ndokubva atanga kumhiza zvigunwe zvake.

Mamwe mazwi ane D

D

Duramazwi

01 / 03

dhi dhi

Kuti dhi dhi kurova kunoita hana ichifambisa ropa.

Verenga

Swipe for the next word