KwaunobvaDuramazwiRrwendo

Duramazwi

rwendo

cruise · destination · journey · trip · voyage

Zvinoreva

Rwendo kufamba kunoita munhu achienda kune imwe nzvimbo.

1

Rwendo kufamba kunoita munhu achienda kune imwe nzvimbo.

Zvino rwendo runo ndakati bodo handimbomuregi nekuti anozviti anotsamwa.

2

Rwendo inguva yomunhu yokurarama panyika, runozonzi rwaguma paanofa.

Uyu mufi azororora, apedza rwendo rwake.

3

Rwendo inguva inoita zvinhu zvagara zvichimbosiitwa.

Rwendo runo tinotopedzerana, ajaira kuba.

Mamwe mazwi ane R

R

Duramazwi

01 / 03

rwenya

Rwenya rudzi rwomuti unotanda, une mashizha ane unye hunososona kana hukagunzva paganda.

Verenga

Swipe for the next word