KwaunobvaDuramazwiNnanaira

Duramazwi

nanaira

Zvinoreva

Kunanaira kufamba kwetumwe tupuka twakaita samasvosve, zvekuti tukakufamba paganda unonzwa kutekenyedzwa.

1

Kunanaira kufamba kwetumwe tupuka twakaita samasvosve, zvekuti tukakufamba paganda unonzwa kutekenyedzwa.

Vakazotanga kunyara ndokubva vafuga machira epamasofa kwave kutanga kunanaira vodzokera kunopfeka.

BaTakue vakananaira havo kwave kusviko pinda muspair.

Kunze kwainge kwapisa zvomene zvokuti nyange masvosve ainge asingaonekwi kunanaira.

2

Kana chinhu chichinanaira chinenge chichifamba zvishomashoma, sezvinoita rwaivhi.

Mamwe mazwi ane N

N

Duramazwi

01 / 03

nanau

Kuti nanau kutsva kunoita chinhu chakaita sepepa kana ndiro yepurasitiki, inotsva ichikombamira uye ichidonhedza zvinhu zvinenge namo.

Verenga

Swipe for the next word