KwaunobvaDuramazwiFfiriji

Duramazwi · zita

firiji

refrigerator

pfimbichando

Zvinoreva

Firiji mudziyo unoshandisa magetsi kana parafini, unoita chando chinoita kuti zvinoiswa mukati mawo zvichengetedzwe kwenguva refu zvichitonhora zvisingaori kana kuipa. Kana ukatenga nyama yakawanda iwe usina firiji, unotoita yokusasika.

1

Vatete vake vakandipa mvura yaitonhorera yavakange vatora mufiriji.

Kufuriza kuchengeta chikafu mufiriji choomeswa nechando kuitira kuti chisaora.

Gasi mweya unotsva, unoshandiswa pamidziyo yakaita sezvitofu nemafiriji.

Zvakafanana

pfimbichando

Mamwe mazwi ane F

F

Swipe for the next word