KwaunobvaDuramazwiEenzaniso

Duramazwi · zita

enzaniso

Zvinoreva

Muenzaniso.

1

Muenzaniso.

Kushandisa tsumo, madimikira, enzaniso nenyaudzosingwi zvinokubatsira kujekesa zvaunotaura nemazwi mashoma.

Pazvidzidzo zvouvaranomwe, enzaniso chidavado chokutarisa kufanana kana kusiyana kwezvinenge zviri munyaya.

Dangwe mwana anotanga kuzvarwa mumhuri. Dangwe rinotarisirwa kupa vamwe vana mu-enzaniso wokugara zvakanaka.

2

Pazvidzidzo zvouvaranomwe, enzaniso chidavado chokutarisa kufanana kana kusiyana kwezvinenge zviri munyaya.

3

Enzaniso kutongwa nokugadziriswa kwenyaya pakati pevanhu vanenge vakonana kuti vakwanise kugarisanazve. Vakaroorana kana vakatukana vanonopiwa enzaniso kwatete.

Mamwe mazwi ane E

E

Duramazwi

01 / 03

enzano

Enzano kufanana kuri pakati pezvinhu zviviri kana kupfuura. Iye zvino pava neenzano yemasimba evanhukadzi neevanhurume.

Verenga

Swipe for the next word