KwaunobvaDuramazwiCchizvarwa

Duramazwi · zita

chizvarwa

generation · nationality · native

Zvinoreva

Chizvarwa chenzvimbo kaka nyika munhu akaberekerwa imomo. Chizvarwa chomudunhu chinoziva zvose zvinotarisirwa munhu womo.

1

Chizvarwa chenzvimbo kaka nyika munhu akaberekerwa imomo. Chizvarwa chomudunhu chinoziva zvose zvinotarisirwa munhu womo.

Musambo wawadzidza maringe neunhu uye nyaya dzekuremekedzana zvichakubatsira kuti uve chizvarwa chenyika yako chinodadisa.

Kwauri iwe chizvarwa chenyika, tinoda kukupa chitsvamba kuti hona isu tave hari dzofadzirofa, tave kuenda kwamupfinganebwe.

Mutambavhu munhu anoenda kunogara kune imwe nyika asi asiri chizvarwa chomo.

2

Chizvarwa mu-mwe wedzinza rinenge riri kutaurwa. Akazotamira hake kunyika yavaHera asi chizvarwa chokwaSaunyama.

Mamwe mazwi ane C

C

Duramazwi

01 / 03

chizvi

Kana munhu achinzi ane chizvi anenge aine munyama unoita kuti ashaye munhu wokuroorana naye.

Verenga

Swipe for the next word