Duramazwi · zita
chitupa
certificate
Duramazwi · zita
certificate
Chitupa igwaro rinopiwa munhu ava nemakore gumi nematanhatu, rinenge rine zita rake, dunhu raanobva, nhamba yaro rega, nezvimwewo zvakakosha kuziva maererano nomuridzi waro.
Chitupa igwaro rinopiwa munhu ava nemakore gumi nematanhatu, rinenge rine zita rake, dunhu raanobva, nhamba yaro rega, nezvimwewo zvakakosha kuziva maererano nomuridzi waro.
Kwangwari i-rovha zvaro risati rambobayirwa chitupa kana kamwe chete zvako.
Chitupa igwaro rinopuwa munhu kana abudirira muzvidzidzo zvemuchikoro kana kuti zvepabasa.
Kana munhu agirajuweta anenge apiwa chitupa chekosi yaanenge apedza pakoreji kana payunivhesiti.
Chitupa igwaro rinopuwa munhu kana abudirira muzvidzidzo zvemuchikoro kana kuti zvepabasa.
Duramazwi
01 / 03chituriro
Chituriro inzvimbo inodzikisirwa zvinhu zvinenge zvakatakurwa nezvakaita serori kana chimwewo chinotakura zvinhu.
VerengaSwipe for the next word