KwaunobvaDuramazwiCchitunha

Duramazwi · zita

chitunha

corpse

Zvinoreva

Chitunha muviri womunhu anenge afa.

1

Chitunha muviri womunhu anenge afa.

Asi kutakura chitunha imwe nyaya yakakomba kwazvo; kunyanya kana chitunha ichocho chiri chomunhu mukuru chaiye.

Chitunha chaiva pamberi pake chaiva chababa vake, baba vaaidisa kukunda ani naani zvake, baba vaakambenge ataura navo nezuro.

Hwahwa hwehonye hunozobikwa kana pava kufungidzirwa kuti chitunha chomufi chaputika.

2

Chitunha kasadza kokupedzisira kupakurwa muhari kanoiswa pamusoro pomukonde wesadza.

Zvakafanana

mutumbi

Mamwe mazwi ane C

C

Duramazwi

01 / 03

chitununu

Chitununu muti unoreba chaizvo kusvika kumamita gumi, unobereka vana vane muto mukati, vanodyiwa.

Verenga

Swipe for the next word