Tsumo
Webondo haadyi chiropa.
Zvinorehwa
PavaShona munhu ari muhondo ane zvibiningidzo zvaanofanira kutevera sokuti kusadya chiropa nederere nenyimo. Vakuru vedu vanenge vane zvavaiziva zvaikonzerwa nokudya zvinhu izvi kana munhu ari muvhimi kana kuti muhondo.
What it means
Among the Shona, a person going to war has certain taboos they must observe, such as not eating liver with derere or nyimo; our elders knew the consequences of eating these things for someone who is a hunter or going to war.
Word for word
A warrior does not eat liver.
Mamwe mataurirwo
Muvhimi haadyi nyimo nederere mhuka dzinosvodza.