Tsumo · Ushamwari
Imbwa payadyira haipakanganwi.
Zvinorehwa
Munhu kana ava nenhamo anodzoka panzvimbo iya yaakambobatsirwa. Anenge ava kuziva kuti ipapo ndipo pane vanhu vane mwoyo yokuda kubatsira.
What it means
When someone is in trouble, they return to the place where they were once helped before, knowing that is where kind-hearted people are found.
Word for word
The place where a dog has fed it does not forget.
Mamwe mataurirwo
Godzi paakadya nhiyo haapakanganwi. (M)