Tsumo · Kushanda
Zuva rimwe hariodzi nyama.
Zvinorehwa
Kana uine chinhu chinoda kuitwa nhasi, hazvirevi kuti hauchazochitii nemhosva yokuti waregera kuchiita kwezuva rimwe chete. Kune mazuva mazhinji ari mberi okuita zvose zvaunenge uchida.
What it means
If you have something you need to do today, it does not mean you can never do it just because you failed to do it on one particular day; there are many days ahead to do everything you wish to do.
Word for word
Meat does not rot in a day.
Mamwe mataurirwo
Zuva rimwe hariurayi munhu.
Zuva rimwe hariradzi mundo.
Munda hauperi nezuva rimwe.
Zuva rimwe haripedzi nyaya.