Tsumo · Kushanda
Ropa uya nderina vatsungi.
Zvinorehwa
Munhu anowana zvinhu nokutamburira. Hapana chinhu chinongovinga munhu agere zvake. Vanhu vakashinga ndivo vanowana zvinhu asi mbwende dzinofa nounbwende hwadzo.
What it means
A person gains things through hard effort; nothing simply comes looking for someone who sits idle. The courageous obtain things, but the cowardly perish in their cowardice.
Word for word
Fortune favours the brave.
Mamwe mataurirwo
Pfumo rinobaya ngerina hombarume. (M)
Rugarahomba harugari murume mutyi.
Pfumo rinobaya nderiri mumaoko riri pabakwa nderivasahwira. (bakwa: barn; sahwira: friend)