Tsumo · Uchenjeri
Matukirwo ababa kunema mwana.
Zvinorehwa
Kana munhu achida kureva chaanoda kumukuru asizve, achijunga kuti chinhu chacho chingamutsamwisa, anowanzoreva achiita seanoda kuudza mwana asi achiitira kuti mukuru iyeye azvinzwe.
What it means
When someone wants to say something to an elder but fears it will anger them, they often speak as if addressing a child, so the elder hears it indirectly.
Word for word
The father is scolded by jokingly abusing (his) child.
Mamwe mataurirwo
Matukirwo ababa kudonza mwana. (M)
Kurezva mwana kureva baba.