KwaunobvaTsumoUchenjeriUsapedza mapfumo mukubaya nhema idzo nzou dzichauya.

Tsumo · Uchenjeri

Usapedza mapfumo mukubaya nhema idzo nzou dzichauya.

Zvinorehwa

Kazhinji munhu anowanzoparadza njere nenguva yake pazvinhu zvisina chimuko asi kana zvinhu zvikuru zvouya munhu wacho oshaya mazano.

What it means

People often waste their energy and time on small matters, then find themselves without the resources to deal with big problems when they arrive.

Word for word

Don't waste spears on stabbing rhinos when elephants (may still) show up.

Mamwe mataurirwo

Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuve hanga dzichauya. (hanga: guinea fowl; makuwe: go-away-bird)

Itsvimbo dzokutamba nadzo kupotsera makunguo idzo shiri dziripo.

Usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya.

Usaswerera kurwira chitundu chamakakanje chehove chiripo.

Dzimwe tsumo dzeuchenjeri

Dzose

Tsumo · Uchenjeri

01 / 03

Kushaya mano kwendiro kupakurirwa isingadyi.

What it means

It shows foolishness when someone is given a blessing but fails to make use of it.

Verenga

Swipe for the next proverb