Chidawo
Eee, maita Shoko Vhudzijena Ewoi Soko, Makwiramiti, mahomu-homu Vanopona nekuba Vanamushamba negore Makumbo mana muswe weshanu Hekani Soko yanguyiyi Vakaera mutupo umwe nashe Vana Va Pfumojena Vakabva Guruuswa Soko Mbireya Svosve Vanobva Hwedza Vapfuri vernhangura Veku Matonjeni vanaisi vermvura Zvaitwa matarira vari mumabwe Mhanimani tonodya, svosve tichobovera Maita zvenyu rudzi rukuru Matangakugara Vakawana ushe neuchenjeri Vakufamba hujeukidza kwandabva Pagerwe rinongova jemedzanwa Kugara hukwenya- kwenya Vari mawere maramba kurimba Vamazvikongonyadza kufamba hukanya Zvibwezvitedza, zvinotedzera vari kure Asi vari padyo vachitamba nazvo Zvaitwa mukanya rudzi rusina chiramwa Maita vari Makoromokwa, Mugarandaguta Aiwa zvaonekwa Vhudzijena