Tsumo · Kushanda
Ishavi kurova munda neshamhu.
Zvinorehwa
Hungava upenzi kuti munhu afunge kuti angawana chinhu kana asina kuchishandira uye kuti munhu atsamwe kana asina chaawana pamusana pekusada kusevenza. Sokuti munhu angatsamwira munda kana achinge ashaya zvinomugutsa pamunda uyu nemhosva yokusashanda pauri zvakanaka.
What it means
It would be foolish to expect to gain something without working for it, or to be angry about getting nothing from a field you never tended.
Word for word
It means one is possessed (by an evil spirit) if he is beating the field with a stick.
Mamwe mataurirwo
Ishavi kuridzira munda tswinya (tsamwa). (M) (-tswinya: sigh over something)