Tsumo
Chiri mubwe chiri mugonera.
Zvinorehwa
Kana pane chinhu chakaitika chisingazivikanwi navanhu zvino pagodaro pano mumwe mukuru anochiziva asi vanhu vachiziva kuti mukuruyo ane mwoyo wakashinga kuti avanze chinhu ichi, vanobva vaziva kuti havangaudzwi naye zvachose.
What it means
When something has happened that people do not understand, there is usually one elder who knows the truth but is known to be too strong-willed to reveal it, so people know they will never be told by that person.
Word for word
What is in a stone is like something in a (natural) bee hive.