Tsumo · Unhu
Ane jira ndeane rukunara (rusakara) ane idzva akariwana meso atsvuka.
Zvinorehwa
Munhu awana chinhu chitsva nhasi haafaniri kudadira uya ane chitsaru nokuti ane chitsva uyu ainge asina chinhu iye uya wechitsaru ainacho. Zvekare kuti munhu awane chitsva anotochiwana atambura.
What it means
Someone who gets something new today should not look down on someone with something old, because the one with the old thing once had something too, when the other had nothing; getting something new often comes only after suffering.
Word for word
The one with an old blanket (has been satisfied all along); the one who has got a new one has acquired it with red eyes (after a struggle).
Mamwe mataurirwo
Ane jira ndeane musakara ane idzva akariwana meso atsvuka. (musakara: old article)