Kwaunobva

Kugovewa kwenhumbi

The Distribution of the Deceased's Belongings

Nhumbi dzomufi dzinogoverwa nedunzvi (mugari wenhaka) zuva rokurova guva, mombe dzichisiyirwa vana kuti vazvitsigire.

Tsananguro

Mushure mekurohwa kweguva, dunzvi (mugari wenhaka yezita) rinogovera nhumbi dzomufi maererano nezvakarayirwa nababa naamai vomufi uyu. Kana ari murume afa, vakadzi vake ndivo vanotanga kusarudza pane nhumbi idzi. Mombe dzababa dzinowanzosiyirwa vana kuti vabatsirwe nadzo pakurooresa kana kuroorwa, asi zvombo zvechirume zvakadai seuta nemiseve zvinowanzopiwa nevanji (mugari wenhaka yebasa). Zvinhu zvomukadzi anenge afa zvinowanzosarira vana vake kana vana veimba yaari kubva. Mushure mekunge nhumbi dzagoverwa, panozotorwa mudonzo dzinozotorwa panochemwa mazita, apo mugari wenhaka anodaidzwa nezita ramufi, achitambidzwa zvombo zvaari kuzogara achishandisa somugari wenhaka, izvi zvichitevedzerwa nemhururu yokupembera kuti mufi "amuka" mumugari wenhaka mutsva.

Kwaunobva app

Everything here, offline, in your pocket.

The full dictionary, every proverb, every totem and the riddles. No data, no ads, no account.

Apps from the team behind Kwaunobva

Made in Zimbabwe by Invalcre (Pvt) Limited. Free, and they work offline.

Provisional Test Zimbabwe app iconProvisional Test ZimbabweZimbabwe VID test and Highway Code

Pass your Zimbabwe provisional driving test.

  • Every question of this year's papers, with the reason each answer is right
  • A readiness score that moves as you sit papers, so you know when to book
Provisional app: a timed test question asking which car at a junction goes last
Danho app iconDanhoZIMSEC O and A Level past papers

Every ZIMSEC past paper, offline, on your phone.

  • Works fully offline once a subject is downloaded
  • Progress tracked paper by paper, not just a percentage
Danho app: today's revision plan, with the questions left to revise and a paper to start per subject
Bhaibheri app iconBhaibheriThe Shona Bible and its hymnals

The Shona Bible. Every hymn your church sings. Free.

  • Two versions side by side, verse for verse
  • AFM, Methodist, RCZ, UMC, Baptist and SDA hymnals
Bhaibheri app: choosing a church hymnal, from Apostolic Faith Mission to Seventh-day Adventist
Denhe app iconDenheZimbabwe's public record

The record of what Zimbabwe publishes.

  • Take-home pay, ZESA units and mobile money charges worked out
  • Every school, university and bank, a page each
Denhe: the PAYE calculator working out take-home pay from a monthly salary