Chidawo
Mazviita Shumba, Maita Sipambi, Yakapamba nedzevamwe, Vadyi vefazhakamwe Inodyarwa ikamera. Maita matikaha nokuone tsimba, Kuona munhu vana vanotya, Mukakatirakwasviba, Kumuka ndodzvova, kutsika zvovava, Mutakuranhawo kuno munhuhwi, Sipambi, mwana wechikara, Chokanyaira chobva Magare, Choinda Imbwarume chisina uta. Zvaitwa varidinhire Chigarachibwe, Vari Magare VaMupfurawatya. Mazviita Mugonderwa, VokwaMusakadongo, veShanje Vari Madzimudzangara, Vari Sikanadema, Zvaitwa vaTakaindisa naMuzuva, Vari Chaenda vari Ruvhure. Waita Charumbira Zvigonyati zwangu zvizvi, Haiwa zvaitwa vaNhinhi, Vari Nhinhihuru Maita saminzwa, Zvaonekwa vari Nyanda.