Shumba Murambwi
Maita Murambwi,
Maita Shumba,
Matikaha,
Kuona chiso.
Hekanhi chibwa, Mushereketi,
Vadzimba vedu, variritiri,
Mutsikapanyoro, vana vaChivi,
Vakanyairi, vadyi vemhuka.
Maita Shumba yangu yiyi,
Hekanhi bumhi rangu riri,
Maita vaMhari, Chipamutoro,
Vari Nyaningwe,
Vari Chamahota,
Maita VaMhungudza,
Vari Baradzanawa.
Zvaonekwa vaMhari, variChitonje,
Vanomuka ngwe namasikati,
Zvaitwa Matikaha nokuone gumbo,
Kuone munhu vanovhunduka.
Maita varere Baradzanwa,
Kwakaparadzanwa baba afa,
Hekanhi Mhungubwe yangu yiyi.
Zvaitwa mwana waChivi,
Aiwa zvaonekwa Mhungubwe, vaNyamukanga,
Makovere.
Zvaitwa muNyaningwe, Chibwa.
Vaera Shumba · Murambwi
Kwaunobva · kwaunobva.com/mitupo/shumba-murambwi/