KwaunobvaTsumoUnhuRega kuvera nyoka negavi iyo iripo.

Tsumo · Unhu

Rega kuvera nyoka negavi iyo iripo.

Zvinorehwa

Nyoka chinhu chinotyisa; kwete kuti ichiri mhenyu chete asi kuti kunyangwe yakafa zvayo. Hapana munhu anoda kusvika pedyo nayo kana kubata kunyangwe pachidiwa kuonekwa urefu hwayo. Vakuru vaiti kana munhu anozviti ndiye akashinga ainzi abate nyoka yakafa achiiyera pasina zvokutora gavi. Ndizvowo, kana nyaya yasvika pamakakatanwa, pava kudiwa idi chairo, munhu akafanira kutaura chokwadi asingatyi kuti zvimwe angapinda mungozi.

What it means

A snake is a frightening thing, whether alive or dead, and no one wants to get close to it even to prove their courage. Likewise, when a matter reaches a serious dispute, what is needed is the plain truth, and one must speak it honestly even at some risk.

Word for word

Do not use a fibre string to measure a snake while it is present itself.

Mamwe mataurirwo

Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo.

Dzimwe tsumo dzeunhu

Dzose

Tsumo · Unhu

01 / 03

Chirema ndechina mazano chinotamba chakazendama kumadziro.

What it means

Everyone knows they have some flaw, in body or mind, in how they behave, so they should be careful not to be laughed at or fail in life because of it.

Verenga

Swipe for the next proverb