Tsumo · Mhuri
Mupanje wekunze unodzivirira iri mukati.
Zvinorehwa
Rega kureva vokwako novokunze nokuti izvi zvinoratidza kusanzwanana kwenyu. Hama inovhikirira wokwayo paya paanenge oiswa munjodzi kana kuti paanenge achirehwa. Iyi tsumo inorevawo kuti ishe kana kuti mubereki ndiye anodzivirira vana vake panguva yenjodzi.
What it means
Do not speak ill of your own people to outsiders, because it shows disunity; family shields its own when they are in danger or being spoken about. It can also mean a chief or parent is the one who protects their children in times of danger.
Word for word
The outer ridge (of a field) guards those inside.
Mamwe mataurirwo
Mupanje wekunze unodzivirira wemukati. (M)