Tsumo · Uchenjeri
Kupfuura nomuchinanga hugonda neshangu.
Zvinorehwa
Ukaona munhu oita chinhu chaanoziva kuti chine ngozi uye kuti chakaoma anenge achiziva maitire ake.
What it means
If you see someone doing something they know is dangerous and difficult, they must already know what they are doing.
Word for word
To pass through a thicket you have to rely on shoes.
Mamwe mataurirwo
Kupfuura nomuchinanga hunzwa kupitsa hwakwata. (hwakwata: sandals)
Kubika sadza kuziva kuti murivo uripo.
Jaha kutizisa mhandara kuona danga. (M)
Kubira rwizi rwakazara kuziva kusambira.
Kubata mwana wengwe senga pfuti.