Chidawo
Maita Gwai, Zvaitwa Moyo ndizvo, Vane chuma chisingaverengwi Vakatorenwa umambo naMabvakure, Maita hwai yangu lyi, Ikachema kunofa dangwe, Ukaidya unopera mazino, Maita vana vaMbarure, Maita vana vaChigondo, Zvaitwa mhuri yaNyamhunga, Zvaitwa mhuri yaGora, Maita zvenyu vari Goromonzi, Vari Mharamasimbe, Kuziva zvenyu vari Manyewe, Vari Baramhanya, Tatenda vari Mbunwi, Zvaitwa Chuma, Zvaitwa Gono, Zvaitwa Gumbi, Zvaitwa Gwai, Maita vari Mnondoro, Maita Sembe, Chuma-Chitunge, Tinotenda vari kwaMashayamombe, Tinotenda Chinhove changu chichi, Zvaonekwa vari Doworo, Maita mwana waGora, Zvaonekwa Gwai rangu iri, Zvaonekwa Mukunvambwa. Debwe tinowarira Nyanga igonamombe Ndove tinodzurura mumba Muswe udenhawo Haiwa, tatenda Varidzi venyika Zvaitwa, Sahayi Muzinda wapasi Changanire